Ndinoshamiswa kwazvo
Namabasa makuru
Akaitiwa nemi
Ose anorumbidza
Ukuru hwenyu Mwari
Hunoshamisa kwazvo
Kana ndarangarira
Mabasa okudenga
Kana ndarangarira
Mabasa epanyika
Inobuda misodzi
Kana ndafunga imi
Mwari vatatumumwe
Itai tikudei Nokuti makatida
Makazotipa Jesu
Matipa Mweya wenyu
Wokutisimbaradza
Rumbidza iwe denga
Rumbidza iwe nyika
Rumbidza iwe gungwa
Nesu ngatirumbidze
Uyu Musiki wedu
Ane rudo rukuru