Methodist Shona Hymn 12

Ndinoshamiswa kwazvo
Namabasa makuru
Akaiitiwa nemi,
Ose anorumbidza
Ukuru hwenyu Mwari
Hunoshamisa kwazvo.

Kana ndarangrira
Mabasa okudenga,
Kana ndarangira
Mabasa apanyika,
Inobuda misodzi
Kana ndafunga imi.

Mwari Vatatumumwe,
Itai kuti tikudei;
Nokuti wakatida,
Makazotipa Jesu,
Matipa Mweya wenyu
Wokutisimbaradza.

Rumbidzai iwe denga!
Rumbidzai iwe nyika!
Rumbidzai iwe gungwa!
Nesu ngatirumbidze!
Uyu musiki wedu,
Ano rudo rukuru.

Hymn Details

3 thoughts on “Hymn 12

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.