AFM Shona Hymn 9

1.NDINOSHAMISWA kwazvo
Namabasa makuru
Akaitiwa newe
Ose anorumbidza;
Ukuru hwenyu Mwari
Hunoshamisa kwazvo.

2.Kana ndarangarira
Mabasa okudenga;
Kana ndarangarira
Mabasa apanyika;
Inobuda misodzi
Kana ndafunga iwe.

3.Mwari vatatu mumwe
Itai kuti tikude,
Nokuti wakatida,
Wakazotipa Jesu,
Watipa mweya wako,
Wokutipupurira.

4.Rumbidza iwe denga!
Rumbidza iwe nyika!
Rumbidza iwe gungwa!
Nesu ngatirumbidze!
Uyu musiki wedu,
Ane rudo rukuru.

Hymn Details

One thought on “Hymn 9

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.