AFM Shona Hymn 8

1.WAKASIKA zvose zvinhu,
Iwe, Mwari wega,
Pasina wakayamura,
Kuzviita kwako.

2.Aya makomo amire,
Akasikwa newe;
Akamira akasimba,
Nokutsigwa newe.

3.Nayo mvura yatinonwa,
Takapiwa newe;
Naiko kudya kwatinodya,
Takapiwa newe.

4.Wakasika munhu iwe,
Nokufana newe;
Ukavapa zvinhu zvose,
Zvikavakodzera.

5.Kwasvika muvengi wavo,
Akavabvutira;
Vakusiya iwe Mwari;
Vakanzwa izwi rake.

6.Wakati kuvaponisa,
Ukaita tsitsi;
Ukavapa Mwana wako,
Achizovafira.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.