Baba, munopiwa mbiri ngemabasa enyu
Zuva pasi nenyeredzi zvinomupa mbiri
Nemakomo nemikana zvinomutunhidza
Shiri dzese dzemudenga dzinomuimbira
Zvinhu zvese zvakanaka zvinokudza imi,
Nemaruva emusango anomuwonesa;
Minda, miti, zviyo, zvese zvinomupa mbiri,
Vanhu vese vakanaka vanomutunhidza.
Asi munhu ndiye m'kuru kune zvakasikwa
Wakakomborerwa kwazvo anotonga zvese;
Ndizvo zvakatifanira kuremedza Baba,
Uyo wakatisikira zvinhu zvakanaka.
M'tsvene imi wekudenga, M'tsvene Mweya M'tsvene,
Ruremedzo ruri rwenyu nekusingaperi;
Rukudziso kune imi. O Mukuru kwazvo,
Tinofara kumukudza Mwari M'tsvene wedi.
Mwoyo yedu inozadzwa nemi Mweya M'tsvene
Tinotenda imi, Baba, kuti munotida
Imi mune kuda kwenyu kunopinda kwedu
Nekuziva izvo zvinhu zvakatinakira