Zvino kwakuparadzana
Chisarai imi mese
Mwari amukotse mese
Nekumupa nyasha dzake
Zvino, Tenzi, tinotenda
Matikomborera muno,
Tinoenda tine simba,
Tinofara nemi zvino.
Zvino taakubuda muno,
Fambai nesu kwese kwese,
Garai nesu nguva dzese,
Simbisayi vanhu venyu.
Ngatifambe mukunaka,
Ngatiite vanhu kwavo,
Tiri umwe kuna Kristu,
Mwari ndiye Baba wedu.
Izwi renyu raparidzwa
Ratigutsa zvakakwana,
Idi renyu tagashira,
Tinoedza zvorarewa.
Tinokudza imi, Tenzi,
Nzeve dzedu dzanzwa, Baba
Taburirwa izwi renyu,
Toda mwoyo inokotsa.
Tinotenda, Mwari Baba,
Muri Mudzidzisi wedu,
Tinomutewera nhasi
Nemazuva anouya.