AFM Shona Hymn 111

1. ZVINO kwakuparadzana,
Munawanga imwi mwese,
Mwari amukotse mwese
Nekumupa nyasha dzake.

2. Zvino, Tenzi tinotenda,
Mwatikomborera muno,
Tinoenda tine simba,
Tinofara nemwi zvino.

3. Zvino ta’a kubuda muno,
Fambai nesu kwese kwese,
Garai nesu nguva dzese,
Simbisanyi vanhu venyu.

4. Ngatifambe mukunaka,
Ngatiite vanhu kwavo,
Tiri umwe kuna Kristu,
Mwari ndiye Baba vedu.

5. Izwi renyu raparidzwa,
Ratigutsa zvakakwana,
Idi rese tagashira,
Tinoita zvorareva.

6. Tinokudza imwi, Tenzi,
Nzeve dzedu dzanzwa, Baba
Taburirwa izwi renyu,
Toda mwoyo inokotsa.

7. Tinotenda, Mwari Baba,
Muri mudzidzisi wedu,
Tinomutevera nhasi
Nemazuva achauya.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.