United Methodist Shona Hymn 271

Kuita basa rake pano kusi kuda kwedu
Kumufunga misi yese kunotibatsira

Kufamba naM'ponesi wedu, kushandira vamwe,
Kuremedza zita rake, kunotibatsira.

Kufamba mune nzira iyo Jesu akafamba,
Kuda zviro zvese zvake, kunotibatsira.

Kuita rudo kune vese, kunga iye, Jesu,
Kunzwa izwi rake tsvene, kunotibatsira.

Kuziva dambudziko rake, iro risi rake,
Kutya Mwari zvirokwazvo, kunotibatsira.

Kudenga tinokuwa kwazvo, taponeswa isu,
Kune denga tinofara, nekusingaperi.

Kuita izvi zvese zvinhu, tiri pasi pano,
Tichasvika denga tsvene, iro taitirwa.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.