United Methodist Shona Hymn 270

M'ponesi wakaita mabasa misi yese
Neniwo ndinodisa kubata basa rangu
Rufaro runouya nebasa rinonetsa
Nekuti tinokudza M'ponesi wedu ndiro.

M'ponesi wakaita shamwari kune vese,
Nenivo ndinoedza kuita zvakadaro.
Kufara kubatsira varombo nevarwere
ZvoJesu akaita kuvanhu ari pasi.

M'ponesi wakaita seMubatsiri iye,
Neniwo ndinodisa kuita kunga iye.
Kuita mubatsiri weavo vanonetswa,
ZvoJesu akaita achiri pasi pano.

Jehova wakasika neropa rimwe chete,
Marudzi ese ese azere pasi pese.
Ndizvozvo ngatigare sehama zvakanaka,
Kubatsirana tese, zvoJesu akaita.

Ndizvozvo, hama dzangu, ngative vanhu kwavo,
Nekuti Tenzi wedu wakange ari kwaye.
Nepasi rinodisa vazhinji vakadaro,
Kuita basa ravo kukomborera vanhu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.