Zuva redu ravapo,
Jesu wakamuka.
KOROSI
Chifarai, uchirai,
Jesu wakamuka.
Chitendai, chiongai,
Jesu wakamuka.
Gwadamirai.
Nhasi ndiyo Svondo’yo
Yakamuka Jesu.
Tirirangarirewo
Tichipira iye.
Nokumuka kwake SHE
Takarungamiswa
Hwiro hwakakundwa sei!
Rufu tichatyirei?
Iye wakakwirako
Kuna Bambo vedu.
Wakatigadzirirawo
Pokugara uko.
Jesu tichaonazve,
Pakudzoka kwake.