Chipembera mwoyo wangu,
Chirumbidza Mwari wako.
Ruponeso rwaJehova
Rwafukidza nyika yako.
KOROSI
Chirumbidza Mwari wako,
Chisimudza zita rake;
Muimbire, umuuchire.
Nyasha dzaSHE dzakubata,
Rudo rwake rwakuwana,
Chipururudza mwoyo wangu!
Farisisa mweya wangu,
Zuva redu rakabuda,
Rima guru rinotiza.
Pururudza mweya wangu!
Ongesesa mwoyo wangu,
Shoko raSHE rakauya
Kukuzadza norugare.
Gwadamira Ishe wako!