SHE wedu Jesu ndimi chiedza chedu,
Ndimi chiedza chakatibudira.
Makaponiwa paBetrehema kare,
Makaponiwa kuzotivheneka.
KOROSI
Vanhu vose chiuya, chiuyai,
Ndudzi dzose gwadamai, gwadamai.
Chibvai murima, tendeukai zvino.
Takanga tichifamba murima guru,
Mukati mamasango namakomo.
Bva Jesu wakatipa chiedza chake,
Chikazova upenyu kuna vose.
Mukati mamasango namakoronga,
Munoparara zvuru zvamazana.
Tipei chiedza chokuvhenekera,
Vabve murima vawane upenyu.