1.RAKANAKA iro zuva
Randakatenda kuna’she!
Mwoyo wangu fara zvako,
Udza vanhu vose iro.
Korus
Ranaka, ranaka, raJesu wakandishamba.
Iye wakandidzidzisa kurinda nokuteura,
Ranaka, ranaka, raJesu wakandishamba.
2. Chanaka chitenderano
Chinondisunga kuna’she!
Ngaizadzwe imba yako
Norwiyo rwandinoimba.
3. Rakapera basa guru;
Ndiriwake, uri wangu:
Wakandizvuva norudo
Ndikamutevera ini.
4. Mwoyo wangu! chizorora!
Wakatsaukaniswa kare:
Rega kubva kuna Ishe,
Kwa’ri zvose zvakanaka.
5. Nokudenga kwakachinzwa
I’chitenderano changu;
Napakufa ndingatende
Nokuti ini ndiri wake.
Wonderful!!
Pure grace that touches the deepest and uttermost part of the soul..🙇🙏
This song touches my soul
With this song i feel Holly Spirit ❤️❤️❤️❤️