Methodist Shona Hymn 138

Rakanaka iro zuva
Randakatenda kuna She!
Mwoyo wangu fara zvako,
Udza vanhu vose naro.

   Ranaka, ranaka,
   RaJesu wakandishamba!
   Iye wakandidzidzisa
   Kurinda nokuteura:
   Ranaka, ranaka,
   RaJesu wakandishamba!


Chanaka chitenderano
Chinondisunga kuna She!
Ngaizadzwe imba yake
Norwiyo rwandinoimba.

Rakapera basa guru!
Ndiri wake, uri wangu;
wakandizvuva norudo
Ndikamutevera ini.

Mwoyo wangu chizorora!
wakatsaukaniswa kare;
Rega kubva kuna Ishe,
Kwa’ri zvose zvakanaka.

Nokudenga chakanzwikwa
I’chitenderano changu;
Napakufa ndingatende
Nokuti’ni ndiri wake.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.