Methodist Shona Hymn 137

Ngatitende kuna Jesu,
Ndiye wakatifira;
wakatiitira tsitsi,
Nokutifira kwake;
Ishe, baba!
Ivai netsitsi nesu.

Isu vanhu voupofu,
wakauya kunesu
wakafira vanhu vose,
wakafira mapofu;
Ishe, baba!
Ivai netsitsi nesu.

Marudzi enyika yose,
Vatende pamwe chete;
Ngavakurumbidze vose,
Vaimbe kuna IShe;
Ishe, baba!
Iva netsitsi nesu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.