Rakanaka iro zuva Lyrics – AFM Shona Hymn 47

1.RAKANAKA iro zuva
Randakatenda kuna’she!
Mwoyo wangu fara zvako,
Udza vanhu vose iro.

Korus
Ranaka, ranaka, raJesu wakandishamba.
Iye wakandidzidzisa kurinda nokuteura,
Ranaka, ranaka, raJesu wakandishamba.

2. Chanaka chitenderano
Chinondisunga kuna’she!
Ngaizadzwe imba yako
Norwiyo rwandinoimba.

3. Rakapera basa guru;
Ndiriwake, uri wangu:
Wakandizvuva norudo
Ndikamutevera ini.

4. Mwoyo wangu! chizorora!
Wakatsaukaniswa kare:
Rega kubva kuna Ishe,
Kwa’ri zvose zvakanaka.

5. Nokudenga kwakachinzwa
I’chitenderano changu;
Napakufa ndingatende
Nokuti ini ndiri wake.

Hymn Details

8 thoughts on “Rakanaka iro zuva Lyrics – AFM Shona Hymn 47

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *