1. NDINOFARA kuti Baba wedu
Wareva rudo rwake rukuru,
Parugwaro rwake rwakanaka,
Wakandiudza Jesu wandida.
Korus
Ndinofara Jesu wandida,
Anondida, anondida;
Ndinofara Jesu wandida,
Ini anondida.
2. Kana ndichimukanganwa Iye,
Asi anongondiyeuchidza,
Zvino kwaari ndinodzokera,
Ndofunga kuti Jesu wandida.
3. Jesu anondida ini kwazvo,
Kuti wandipa upenyu kwake;
Kutadza kwangu wakakufira,
Ndoziva kuti Jesu wandida.
4. Mwoyo wangu uno Muyamuri,
Ndinotenda Jesu Mununuri,
Zvino ndinogomubatirira,
Nokuti ndonzwa Jesu wandida.