Methodist Shona Hymn 141

Ndinofara kuti baba wedu
wareva rudo rwake rukuru,
Murugwaro rwake rwakanaka
Ndonzwa kuti Jesu anondida.

   Ndinofara Jesu wandida,
   Anondida, anondida;
   Ndinofara Jesu wandida,
   Ini anondida.


Kana ini ndichimukanganwa
Iye anogondiyeuchidza;
zvino kwaari ndinodzokera,
Ndonzwa kuti Jesu anondida.

Jesu anondida ini kwazvo,
Saka wandipa upenyu hwake ;
Kutadza kwangu wakakufira;
Ndonzwa kuti Jesu anondida.

Mwoyo wangu uno Muyamuri
Ndinotenda Jesu Mununuri;
zvino ndinogomubatirira
Nokuti ndonzwa Jesu wandida.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.