Methodist Shona Hymn 140

Vazhinji vanayo nhaka
Yavanozviinzwa nayo;
Vazhinji vanayo pfuma
Vanozvifarisa nayo.

Handizvidze zvipo zvenyu
zvohwu upenyu huripo;
Asi imi Ishe Jesu
Muri nhaka yangu kwazvo.

Kunyange ndanga ndisina
zvinhu zvoruno rugaro;
Ndinemi muridzi wazvo,
Ndine zvinhu zvose nemi.

Kana mava wangu Jesu
Ndakwana nezvinhu zvose;
Nezvi zviripo ndezvangu,
Nezvinouya ndezvangu.

Neino nyika ndeyangu,
Nairo denga nderangu;
Nahwo upenyu ndohwangu,
Nokunakirwa ndokwangu.

Hahupere uhwo’penyu
Huri nhaka yangu nemi;
Kunakirwa hakupere,
Kwandakawana kunemi.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.