AFM Shona Hymn 82

1. NDINOFARA kuti Baba wedu
Wareva rudo rwake rukuru,
Parugwaro rwake rwakanaka,
Wakandiudza Jesu wandida.

Korus
Ndinofara Jesu wandida,
Anondida, anondida;
Ndinofara Jesu wandida,
Ini anondida.

2. Kana ndichimukanganwa Iye,
Asi anongondiyeuchidza,
Zvino kwaari ndinodzokera,
Ndofunga kuti Jesu wandida.

3. Jesu anondida ini kwazvo,
Kuti wandipa upenyu kwake;
Kutadza kwangu wakakufira,
Ndoziva kuti Jesu wandida.

4. Mwoyo wangu uno Muyamuri,
Ndinotenda Jesu Mununuri,
Zvino ndinogomubatirira,
Nokuti ndonzwa Jesu wandida.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.