1.MUFUDZI ndiye Jehovha,
Wakandichengeta:
Kushaya hakungavepo,
Unovimba naye.
2. Pana mafuro manyoro,
Ndinodyiswa napo,
Ndinorara nokufara,
Ndisingavhundutswe.
3. Unounatsa nomweya,
Unouponisa;
Kururama ndovanako
Naiye Mufudzi.
4. Kana ndifambe parima,
Handingatye chinhu;
Nokuti iwe uneni,
Unondifarisa.
5. Chidyiro ini ndinacho,
Mberi pavavengi;
Mafuta pamusoro wangu
Handishayi chinhu
6. Kururama nedzo tsitsi,
Dzinonditevera;
Pane imba yaJehovha,
Nokusingaperi.