AFM Shona Hymn 142

1.HAKUNA hama kupinda Jesu,
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe kurapa vese,
Hakunaba, hakuchina.

Korus:
Jesu ndiye shamwari yedu,
Anonatsa kutungamira,
Hakuna umwe kupinda Jesu,
Hakunaba, hakuchina.

2. Hakuna mumwe mukuru zveba.
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe mununudziri,
Hakunaba, hakuchina.

3. Hakuna chipo chikuru zveba,
Hakunaba, hakuchina.
Hakuna umwe kurapa mwoyo,
Hakunaba, hakuchina.

4. Hakuna nguva tisingaonwi,
Hakunaba, hakuchina.
Hapana nzvimbo asingazivi,
Hakunaba, hakuchina.

Hymn Details

2 thoughts on “Hymn 142

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.