1. ZANO chiro chakanaka,
Tese tinorida kwazvo,
Zano haritengwi, kwete,
Riri chipo chaJehovha.
2. Izwi rake rine zano
Kusimudza vanhu vese,
Riri simba remarudzi,
Riri idi remakore.
3. Nge’ro zano tine simba
Rekuita zvakanaka,
Asi rinouya basi
Kune avo vanomuda.
4. Soromoni wakarida,
Akarikumbira Mwari,
Ndizvo Mwari wakamupa
Zano, pfuma, nerukudzo.
5. Apo tinoshaya zano
Ngatiuye kuna iye
Uyo ane rakakwana,
Kupa kune vanhu vese.