AFM Shona Hymn 167

1. ZANO chiro chakanaka,
Tese tinorida kwazvo,
Zano haritengwi, kwete,
Riri chipo chaJehovha.

2. Izwi rake rine zano
Kusimudza vanhu vese,
Riri simba remarudzi,
Riri idi remakore.

3. Nge’ro zano tine simba
Rekuita zvakanaka,
Asi rinouya basi
Kune avo vanomuda.

4. Soromoni wakarida,
Akarikumbira Mwari,
Ndizvo Mwari wakamupa
Zano, pfuma, nerukudzo.

5. Apo tinoshaya zano
Ngatiuye kuna iye
Uyo ane rakakwana,
Kupa kune vanhu vese.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.