AFM Shona Hymn 166

1. KUEDZA kwazosvika,
Kwadzinga dima rese,
Vamuka vanhu vese
Kudzidza Jesu Kristu;
Masoko akanaka
Ouya misi yese,
Ekuti vadzimambo
Vanoda vafundisi.

2. Onanyi vanhu vcdu
Vakuteura zvino,
Nevamwe vari kure
Vakuwombere, Jesu;
Vapwere vaakuimba
Zviimbo zvakanaka,
Vava kuita basa
RaMwari Baba wedu.

3. Onanyi va’avazhinji
Vanoda kudzidziswa,
Kufamba mune nzira
Yevanhu vakanaka;
Majaha nemhandara
Vanoda ruponeso,
VaBaba nevamai
Vanoda nzira itsva.

4. Rwasvika ruponeso
RwaMwari nyika dzese,
Rwofadza kure-kure
Kundudzi dzese dzese;
Tapota imwi, Baba,
Pamsana pake Jesu,
Kuvaponesa avo
Vagere mune dima.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.