AFM Shona Hymn 165

1. MUZUNDE renyu, Baba,
Mune basa rekuita,
Vanhu havazivi imwi,
Vanogara mune dima,
Havazivi nzira tsvene,
Havazivi Jesu Kristu,
Murumbwana wenyu chete,
Havazivi rudo rwenyu.

Korus:
Ndiri pano, Tenzi nditumenyi
Kune avo vanoshaya.

2. Ndiri pano nditumenyi
Kune avo vanoshaya,
Mudikani, Tenzi wangu,
Soko renyu ndingatora,
Kana vanhu vandivenga,
Sezvo imwi mwakavengwa,
Kuti muchindituma’yo
Ndingafara kushandira.

3. Taurai, Tenzi, soko renyu,
Taurai, Tenzi, ndiri kuzwa,
Kuda kwenyu ngakuitwe
Sezvo munondiudzira,
Ndiudzirei mazwi enyu
Kuti ndipe kune vanhu,
Ndiudzirei mazwi enyu,
Enyu basi, Tenzi wangu.

4. Kuti muchienda neni,
Kuti muchindisimbisa,
Handizotyi madambudzo.
Kana basa richikonja;
Mwakatsidza kuva neni
Kuti ndichagara nemwi;
Munamato wangu ndiwo,
“Ndiri pano nditumenyi.”

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.