Zano chiro chakanaka
Tese tinorida kwazvo
Zano haritengwi kwete
Riri chipo chaJehovha
CHORUS
Zano ndega zano ndega
Zano ndega wemwanawe
Zano ndega wakatadza
Zano pangwa naJehovha
Izwi rake rine zano
Kusimudza vanhu vese,
Riri simba remarudzi,
Riri idi remakore.
Ne'ro zano tine simba
Rekuita zvakanaka,
Asi rinouya basi
Kune avo vanomuda.
Soromoni wakarida,
Akarikumbira Mwari,
Ndizvo Mwari wakamupa
Zano, pfuma, nerukudzo.
Apo tinoshaya zano
Ngatiuye kuna iye,
Uyo ane rakakwana
Kupa, kune vanhu vese.