1.ZVATAPINDA Ishe wedu
Kune imba yako,
Titarire Mwari wedu
Nedzo tsitsi dzako.
2. Imba iya imba yako,
Imba youtsvene;
Ishe uya tisangane,
Utiropafadze.
3.Tinobvuma zvakaipa,
Mberi kwako Ishe;
Tinokukumbira isu,
Zvino mberi kwako.
4. Zvakaipa zvatinazvo,
Iwe unoziva;
Tinochema naizvozvo,
Nayo mweya yose.
5. Tifadzise Ishe wedu,
Noruregerero rwako;
Tipupure Mwari wedu,
Noyu mweya wako.
6. Rotaurwa dama rako,
Ngatirinzwe tose;
Tichiva nomwenje,
Pane nguva dzose.