1.VAZHINJI vanayo nhaka
Yavanozviinzva nayo;
Vazhinji vanayo pfuma
Yavanozvifarisa nayo.
2. Handizvidzi zvipo zvako
Zvohuhu upe huripo;
Asi iwe Ishe Jesu
Uri nhaka yangu kwazvo.
3. Kunyangwe ndanga ndisina
Zvinhu zvoruno rugaro;
Ndinewe muridzi wazvo,
Ndine zvinhu zvose newe.
4. Kana wava wangu Jesu
Ndakwana nezvinhu zvose;
Nezvi zviripo ndezvangu,
Nezvinouya ndezvangu.
5. Neino nyika ndeyangu,
Nairo denga nderangu;
Nahwo upenyu ndohwangu,
Nokunakirwa ndokwangu.
6. Hahuperi uhwo upenyu,
Huri nhaka yangu newe;
Kunakirwa hakuperi,
Kwandakawana kunewe.