AFM Shona Hymn 55

1.VAZHINJI vanayo nhaka
Yavanozviinzva nayo;
Vazhinji vanayo pfuma
Yavanozvifarisa nayo.

2. Handizvidzi zvipo zvako
Zvohuhu upe huripo;
Asi iwe Ishe Jesu
Uri nhaka yangu kwazvo.

3. Kunyangwe ndanga ndisina
Zvinhu zvoruno rugaro;
Ndinewe muridzi wazvo,
Ndine zvinhu zvose newe.

4. Kana wava wangu Jesu
Ndakwana nezvinhu zvose;
Nezvi zviripo ndezvangu,
Nezvinouya ndezvangu.

5. Neino nyika ndeyangu,
Nairo denga nderangu;
Nahwo upenyu ndohwangu,
Nokunakirwa ndokwangu.

6. Hahuperi uhwo upenyu,
Huri nhaka yangu newe;
Kunakirwa hakuperi,
Kwandakawana kunewe.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.