Wagadzira nhasi here
Nzvimbo yake M'ponesi
Yekugara mweya wake
Wakakumirira zvino
CHORUS:
Hunde ndine nzvimbo yake
Tenzi wevatenzi vese
Mwoyo wangu ndazarura
Kutambira Jesu Kristu
Mwari wakatisikira
Kuva imba yakugara,
Anotuma Mweya M'tsvene,
Kuti azogara nesu.
Une nzvimbo yake here,
Uyo wakakununura?
Apo wanga wakaraswa,
Wakauya kokutsvaka.
Haunacho chipo, kwete,
Kupa kuna Mambo wako?
Asi anofadzwa kwazvo
Kutambira mwoyo wako.
Kuti uchimukanganwa,
Ungazoponeswa sei,
Zvokusina rimwe zita
Reungaponeswa naro?