AFM Shona Hymn 129

1. WAGADZIRA nhasi here
Nzwimbo yake Muponesi
Yekugara mweya wake?
Wakakumirira zvino.

Korus:
Hunde ndine nzvimbo yake,
Tenzi wevatenzi vese,
Mwoyo wangu ndazarura
Kutambira Jesu Kristu.

2. Mwari wakatisikira
Kuva umba yekugara,
Anotuma Mweya M’tsvene
Kuti azogara nesu.

3. Une nzvimbo yake here,
Uyo wakakununura?
Apo wanga wakaraswa,
Wakauya kokutsvaka.

4. Haunacho chipo kwete,
Kupa kuna Mambo wako?
Asi anofadzwa kwazvo
Kutambira mwoyo wako.

5. Kuti uchimukanganwa,
Ungazoponeswa senyi,
Zvokusina rimwe zita
Reungaponeswa ndiro.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.