Tsitsi hedzi dzamira dzoga
Zvirwadzo zvakamira zvoga
Kusuwa kwakamira koga
Pamuchinjikwa
Ishe waburuka kudenga,
Akazova munhu kuvanhu,
Nediramhamba kuvatadzi,
Pamuchinjikwa.
Rutendo rwedu rwomirepi?
Ruvimbo rwedu rwomirepi?
Norudo rwedu rwomirepi?
Pamuchinjikwa.
Nengozi dzingapere dzose,
Nemhaka dzingaripwe dzose,
Zvoregererwa zvivi zvose,
Pamuchinjikwa.
Ngirozi dzakaona pasi,
Dzakati gwanangwana pasi,
Dzichiona mashura ayo!
Pamuchinjikwa.