United Methodist Shona Hymn 82

Kristu Tenzi wakamuka Haleluya!
Ingirozi dzinoimba Haleluya!
Vanhu vanopinduravo Haleluya!
Vese vachiimba pamwe Haleluya!

Jesu wakamuka Mambo, Haleluya!
Wakapedza basa rake, Haleluya!
Wakakunda guva rake, Haleluya!
Wakatikundira rufo, Haleluya!

Guva harichina simba, Haleluya!
Dombo rakamburumbudzwa, Haleluya!
Kristu wakabuda umo, Haleluya!
Wakakwira denga rake, Haleluya!

Zvino tinotenda kwazvo, Haleluya!
Kuti nesu tichamuka, Haleluya!
Takasikwa kunga iye, Haleluya!
Tinomutswa zvakadaro, Haleluya!

Kristu Tenzi wakamuka, Haleluya!
Wakakunda kufa kwake, Haleluya!
Wakakwira kune denga, Haleluya!
Anogara kunaBaba, Haleluya!

Vanhu vese ngavaimbe, Haleluya!
Ngavapururudze Mambo, Haleluya!
Ndiye wakatiunzira, Haleluya!
Ruponeso rwakakomba, Haleluya!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.