AFM Shona Hymn 120

1. KRISTU Tenzi wakamuka, Haleluya!
Ingirosi dzinoimba, Haleluya!
Vanhu vanopindurawo, Haleluya!
Vese vachiimba pamwe, Haleluya!

2. Jesu wakamuka Mambo, Haleluya!
Wakapedza basa rake, Haleluya!
Wakakunda guva rake, Haleluya!
Wakatikundira rufu, Haleluya!

3. Guva harichina simba, Haleluya!
Buwe rakamburumbutswa, Haleluya!
Kristu wakabuda umwo, Haleluya!
Wakakwira denga rake, Haleluya!

4. Zvino tinotenda kwazvo, Haleluya!
Kuti nesu tichamuka, Haleluya!
Takasikwa kunga iye, Haleluya!
Tinomutswa zvakadaro, Haleluya!

5. Kristu Tenzi wakamuka, Haleluya!
Wakakunda kufa kwake, Haleluya!
Wakakwira kune denga, Haleluya!
Anogara kuna Baba, Haleluya!

6. Vanhu vese ngavaimbe, Haleluya!
Ngavapururudze Mambo, Haleluya!
Ndiye wakatiunzira, Haleluya!
Ruponeso rwakakomba, Haleluya!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.