Tiri vawadzani, tiri vawadzani
Mhuri yaJesu Mambo wedu
Dai tichidana dai tichidana
Hakuna usvinu kudenga
Tinoyamurana, tinoyamurana,
Vatendi vaIshe mukuru;
Tisatsaukane, tisatsaukane,
Hakuna kudaro kudenga.
Tiri hondo imwe, tiri hondo imwe,
Mbirimi dzaMambo mukuru;
Ngatimurwirei nomwoyo mumweyo,
Panzira inenda kudenga.
Ikoko kudenga pakufara kwedu
Tozotenda Mambo mukuru;
Naiwo masimba anobva kuna She,
Tinosvika nawo kwaari.