United Methodist Shona Hymn 334

Tiri pano pamwe tese
Tachengetwa gore rino
Ngatikudze Mwari wedu
NaM'ponesi wedu'zve

Gore rakatipfuura,
Takawona madambudzo,
Asi takapihwa simba,
Hatisakakundwaba.

Ndiye Mwari wakanaka
Wakatiponesa tese,
Tinondongwarirwa naye,
Takasviswa naye'She.

Ndizvo ngatitaurirane,
Nyasha dzake dzinokwana,
Idzo dzinotiponesa
Kuti tisatadze zve.

Basa rake ngatibate,
Tisaneta kuribata,
Ngatitsidzirane nhasi,
Tisasiya Mwari ba.

Tese tinofarisana
Kuwonana usu hwedu,
Tiri pamwe tese zvino,
Nevakuru veduzve.

Vamwe vedu vakatorwa,
Basa ravo rakapera,
Zvino vanowona Mwari,
Vanowona Jesu zve.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.