Ngatikudze Mwari Baba tichitenda tese
Wakatipa gore idzva, wakatichengeta
Wakatichengeta, iye, gore rakapfuura,
Tese tiri mberi kwake nezvipiko zvedu.
Tinomutunhidza zvino nemabasa edu,
Zvakaipa tiregere, izvo takaita.
Ngatirinde, tinamate, gore rinouya,
Kuti tese tisatadze kuna Mwari wedu.
Tondera Mwari Baba nguva dzese dzese
Mutipewo gore kwaro, rakanakisisa.