AFM Shona Hymn 183

1. TIRI pano pamwe tese.
Tachengetwa gore rino,
Ngatikudze Mwari wedu
NaM’ponesi weduuzve

2. Gore rakapfuura,
Takaona madambudzo,
Asi takapiwa simba,
Hatisakakundwaba

3. Ndiye Mwari wakanaka,
Wakatiponesa tese,,
Tinondongwarirwa ndiye,,
Takasviswa ndiye ‘She

4. Ndizvo ngatitaurirane,
Nyasha dzake dzinokwana,,
Idzo dzinotiponesa,
Kuti tisatadzezve.

5. Basa rake ngatibate,,
Tisaneta kuribata,,
Ngatitsidzirane nhasi,,
Tisasiya Mwariba.

6. Tese tinofarisana,
Kuonana usu hwedu,,
Tiri pamwe tese zvino,
Nevakuru veduzve.

7. Vamwe vedu vakatorwa,,
Basa ravo rakapera,,
Zvino vanoona Mwari,
Vanoona Jesuzve.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.