AFM Shona Hymn 182

1. KARE Mwari wakasika
M’rume nomukadzi wake,
Vese vanga vakanaka
Apo vakasikwa ndiye;
Mwari anokohomedza
Kuti vanhu vatinhidzwa,
Ngavasiye baba, mai,
Vatorane nekudana

2. Iri jaha nemhandara
Vanouya kutinhidzwa,
Kuva m’rume nomukadzi
Ngemutemo wenyu, Baba;
Ndizvo tinomukumbira,
Vaitenyi nyama imwe,
Ngavapiwe mwoyo umwe
Kuti vazobatsirana.

3. Vabatsirenyi mumba mwoyo,
Muupenyu hwavo hutsva;
Vhenekerai mwoyo yavo
Nekuvatungamirira;
Ngavapiwe simba zvino
Vaifambe nzira yenyu
Misi yese yeupenyu,
Mwari, Baba, Mubatsiri.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.