United Methodist Shona Hymn 274

Ngatiende vadikani
Kune munda wake Tenzi
Unodiwa wekurima
Ndisamunda wadaidza

CHORUS
Kasikai kuendayo
Kune zunde rake mambo
Enda iyo enda iyo
Kune zunde rake mambo

Jesu wati kuna Pita
"Chitevera shure kwangu,
Unozovabvuwa vanhu,"
Kubva mune dima guru.

Jesu Tenzi watiudza,
"Endai kune pasi pese,
Muchiparidzira Izwi
Kune ndudzi dzese dzese."

Zvino rava jana redu
Rekutora iri shoko
Kuna ivo vari kure,
Vasikamuzivi Tenzi.

Jesu wati, "Kumbirayi
Vapupuri kuna Ishe,
Zvokwasvika kupupura
Vashomana vapupuri."

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.