Batai mabasa aTenzi
Batai mumunda wake
Batai pamangwanani
Pane ruvheneko
Batai zvemasikati
Dima zvoraakusvika
Batai mabasa ake
Batai zvino
Batai mabasa aTenzi.
Batai nerufariso.
Batai nekukasika,
Musazononoka;
Munozofadzwa, imi
Mopihwa mubayiro,
Batai mabasa ake,
Batai zvino.
Batai mabasa aTenzi,
Sezvo mapiwa nguva,
Batai nesimba rese,
Nguva yaakupfuura;
Muchanzwa izwi rake
Rinoti, "Mazokunda."
Batai mabasa ake,
Batai zvino.