AFM Shona Hymn 163

1. NGATIENDE , vadikani,
Kune munda wake Tenzi,
Unodiwa vekurima,
NdiSamunda wadidza

Korus:
Kasikai kuendayo,
Kune zunde rake Mambo;
Endai iyo, endai iyo,
Kune zunde rake Mambo.

2. Jesu wati kuna Pita,
“Chitevera sure kwangu,
Unozovabvuwa vanhu,”
Kubva mune dima guru.

3. Jesu Tenzi watiudza,
“Endai kune pasi pese,
Muchiparidzira izwi
Kune ndudzi dzese dzese.”

4. Zvino rava jana redu
Rekutora iri soko
Kuna ivo vari kure,
Vasikamuzivi Tenzi.

5. Jesu wati “Kumbiranyi
Vapupuri kuna Ishe,
Zvokwasvika kupupura
Vashomana vapupuri.”

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.