Nganditungamirwe Mwari
Mukufamba kwangu kwese
Ndine nungo mune simba
Ndibateyi neruwoko
Ndipfuweyi ndipfuweyi
Ndakuuya Tenzi wangu
Muri tsime yeupenyu,
Wererayi imi nhasi,
Ndine nyota yeupenyu,
Munogutsa nyota yangu.
Ndipfuweyi, ndipfuweyi,
Ndaakuuya, Tenzi wangu.
Dzingai kutya kwangu kwese,
Ndiyambutsei uru rwizi,
Mundisvitse padyo nemi,
Apo ndinokudza imi.
Ndipfuweyi, ndipfuweyi,
Ndaakuuya, Tenzi wangu.