United Methodist Shona Hymn 225

Jesu wanditungamira
Ndanga ndiri mune dima
Ndakaiswa mukupenya
Neshamwari dzakanaka
Ndikadzidza kuteura
Kuna Baba naM'ponesi
Akandipa mwoyo mutsva
Nendaramo yakanaka

Jesu wanditungamira
Nguva dzese dzeupenyu,
Ndazopiwa zano rake
Kusarura zvakanaka
Nekuita mwoyo chena
Kune vanotambudzika,
Zvino ndinotenda kuti
Jesu wanditungamira.

Jesu wanditungamira
Nekufadza mwoyo wangu,
Tsitsi dzake dzakakwana,
Zvipo zvake zvakawanda;
Ndikaneta nekufamba,
Kana mweya une nyota,
Inobuda pano nzira
Tsime yerufaro iyo.

Jesu wanditungamira,
Handichadi chimwe chinhu,
Ndinotenda ngoni dzake,
Uyo anondichengeta,
Ndine runyararo zvino
Nekutenda kuna iye,
Ndinoziva Tenzi wangu
Anoita zvakanaka.

Jesu wanditungamira,
Rudo rwake rwakakomba,
Ndatsidzirwa ruzororo
Kune imba yake, Baba;
Apo ndinobururuka
Kune musha wake, Mwari,
Ndichaimba nguva dzese.
Jesu wanditungamira.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.