Ndipfuweyi Muponesi
Ndipfuweyi misi yese
Apo ndinotambudzika
Ndidaidze Tenzi wangu
CHORUS:
Ndipfuweyi misi yese
Ndipfuweyi misi yese
Ndibatsirwe kuti ndiuyevo
Padyo padyo misi yese
Padyo nemi, Muponesi,
Mwoyo wangu unofadzwa,
Tsitsi dzenyu dzinokwana
Kuponesa vanhu vese.
Ndipfuweyi, Muponesi,
Padyo nerutivi rwenyu,
Madambudzo enyu ese
Ngandianzwe nemi, Tenzi.
Ndichengetei, Muponesi,
Kuti ndisazomusiya,
Rudo rwenyu ngarupfuwe
Mwoyo wangu nguva dzese.