Mwari Baba wangu ndinowona vanhu
Vakasiya nzira dzenyu vari varasiki
Garai neni garai neni nekusingaperi
Garai neni garai neni Nekusingaperi
Neupenyu hwangu hwakatsonga kwazvo,
Asi ndinotenda kuti munogara neni,
Garai neni, garai neni,
Nekusingaperi.
Pasi pano pese, ndinowona kuti
Zvinhu zvese zvichapera, imi munogara;
Garai neni, garai neni,
Nekusingaperi.
Vanhu vanobarwa, ivo vanokura,
Asi kufa kuchauya, Baba, garai neni;
Garai neni, garai neni,
Nekusingaperi.
Kuti ndichichema nematambudziko,
Achapera ndichafara, Baba, garai neni,
Garai neni, garai neni.
Nekusingaperi