Ndinomunangisa
Nyenye paKalvari
Ndokumbira
Bvisaivo usungwa
Hwezvitema zvangu
Ndive munhu wenyu
Nguva dzese
Nyasha dzinokwana
Kusimbisa mwoyo
Wakaneta;
Itai umudise
Imi makandida,
Ndisabve kwamuri
Tenzi wangu.
Pfumvu dzeupenyu
Dzoda kundibvisa,
Nditarirei;
Bvisai dima rese
Rusuvo kune'ni,
Fambayi neniwo
Nguva dzese.
Mununuri wangu,
Bvisai kutya kwangu,
Kusatenda;
Chindichengetai
Muupenyu hwangu
Ndizovevo mumwe
Mununurwi.