United Methodist Shona Hymn 294

Ndinobva kwamuri ndoenda kudenga
Ndoenda kuimba yaBaba
Mumba yavo tsvene imba yorufaro
Ndinokugadzirirai nzvimbo

Kana ndichienda, ndinozouyazve,
Handikusiyeyi muri moga;
Asi ndinozokugamuchirai ini,
Kuti mugovapowo pandiri.

Ipapo tinozogara pautsvene,
Navazhinjizhinji chokwadi;
Tinozoimbawo, tiri pamwe chete,
Tichikudza Ishe wokudenga.

Iri'zwi raMambo,riri izwi rorufaro,
Farai, vaKristu, farai!
Ishe wakaenda, asi achadzoka,
Apinze kudenga imi mose.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.