Jerusarema itsva dzimbahwe rake Mwari
Tasuwa kuriwona musha weutsvene
Kugere Baba neMurumbwana
Vese navo Mweya Mtsvene
Umambo hwake Baba, mumwoyo yavatendi,
Hutonge nemasimba, hufanziswe kwese
Kunyika dzese, huvenekere
Vanhu vese pasi pano.
Tofara kuva pano kuita basa rake
Nekunzwa mazwi ake akanakisisa,
Anoti, "Uyai, garayi nhaka
Neni, munokomborerwa."
Werera mvura yedi, inwiswe mweya yedu,
Ikure zvakanaka kushandira Mwari,
Dzikayi zvino, umambo hwedi,
Mvura inopona, Kristu.